로그인

갈라디아서 1장 Shona Bible

바울서신 · Galatians · Shona Bible · 24절

절 보기

바울이 갈라디아 교회들에 보낸 편지의 첫 장이다. 인사 뒤 곧바로 '다른 복음'으로 돌아선 교인들을 꾸짖고, 자신의 사도직과 복음이 사람이 아닌 예수 그리스도의 계시에서 왔음을 회심 이후의 행적으로 변호한다.

절 바로가기

1갈라디아서 · Shona Bible
1Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa,
2nehama dzese dzineni, kumakereke eGaratia:
3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
4wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu;
5kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
6Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
7isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu.
8Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa. 해설
9Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa.
10Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
11Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu.
12Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
13Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa sei, nekuiparadza;
14uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa tsika dzemadzibaba angu.
15Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, 해설
16kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
17uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.
18Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu.
19Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.
20Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi.
21Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia.
22Asi ndakange ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu;
23asi vakange vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza.
24Vakarumbidzawo Mwari mandiri.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 24절
1 / 6장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장의 구절 해설 문서 2

이 장을 언급한 문서

더 보기