고린도전서 1장 Shona Bible
바울서신 · 1 Corinthians · Shona Bible · 31절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
고린도전서 1장은 바울이 고린도 교회에 보낸 편지의 첫 장이다. 인사와 감사로 시작하여 교회 안의 분쟁을 꾸짖고, 세상의 지혜와 대비되는 십자가의 도를 말한다.
절 바로가기
1고린도전서 · Shona Bible
1Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,
2kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:
3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;
5kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese,
6sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
8iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
9Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
10Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe. 해설
11Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
12Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.
13Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
15kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
16Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.
17Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.
18Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 해설
19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.
20Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?
21Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.
23asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi;
24asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
25nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.
26Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;
27asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;
28nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
29kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake.
30Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;
31kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 4
이 장을 언급한 문서
- 고린도전서 1장 18절 성경 구절
- 고린도전서 13장 8-10절 성경 구절
- 요한복음 17장 21절 성경 구절
- 사도행전 16장 31절 성경 구절
- 고린도전서 2장 2절 성경 구절
- 고린도전서 3장 16-17절 성경 구절
- 고린도전서 1장 7절 성경 구절
- 고린도후서 12장 7-10절 성경 구절
- 고린도후서 10장 3-5절 성경 구절
- 고린도후서 13장 13절 성경 구절
- 요한복음 17장 20-23절 성경 구절
- 에베소서 4장 3-6절 성경 구절
- 사도행전 16장 14-15절 성경 구절
- 사도행전 11장 14절 성경 구절
- 고린도전서 3장 6-7절 성경 구절
- 잠언 9장 10절 성경 구절
- 마태복음 12장 41절 성경 구절
- 고린도전서 3장 11절 성경 구절
- 성도 직분
- 유아세례 예배·예식
- 교파 조직·제도
- 교구 조직·제도
- 지교회 조직·제도
- 하나님의교회 세계복음선교협회 이단·사이비
- 고린도전서 성경
- 십자가 상징 예배·예식
- 십자가 교리·신학
- 초교파 교파
- 아볼로 인물
- 고린도 성경
더 보기
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기