로그인

데살로니가전서 1장 Shona Bible

바울서신 · 1 Thessalonians · Shona Bible · 10절

절 보기

데살로니가전서 1장은 바울과 실루아노와 디모데가 데살로니가 교회에 인사하고, 환난 속에서도 복음을 받아 우상을 버리고 하나님께 돌아온 그들의 믿음을 두고 감사하는 내용이다.

절 바로가기

1데살로니가전서 · Shona Bible
1Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
2Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu,
3tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu; 해설
4tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari;
5nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
6Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
7zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu.
9Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
10uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 10절
1 / 5장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장의 구절 해설 문서 1

이 장을 언급한 문서

더 보기