로그인

데살로니가후서 1장 Shona Bible

바울서신 · 2 Thessalonians · Shona Bible · 12절

절 보기

데살로니가후서 1장은 바울 일행이 박해 속에서 믿음과 사랑이 자라는 데살로니가 교회에 감사하는 장이다. 주 예수께서 나타나실 때 하나님이 공의롭게 심판하시고 성도에게 안식을 주신다는 내용과 그들을 위한 기도를 담고 있다.

절 바로가기

1데살로니가후서 · Shona Bible
1Pauro naSirivhano naTimotio kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
2Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nokuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu mese kune umwe neumwe rwunowanda;
4nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mumakereke aMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu nerutendo mukushushwa kwenyu kwese nematambudziko amunotsunga maari.
5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanira ushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;
6sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,
7uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,
8mumoto unopfuta achitsiva kune vasingazivi Mwari, nekune vasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;
9vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,
10paachauya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vese vanotenda (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.
11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzese, kuti Mwari wedu akuverengei makafanirwa kudanwa uye azadzise kuda kwese kwakanaka kwekunaka hwake nebasa rerutendo nesimba;
12kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 12절
1 / 3장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장을 언급한 문서

더 보기