로그인

디모데후서 1장 Shona Bible

바울서신 · 2 Timothy · Shona Bible · 18절

절 보기

디모데후서 1장은 로마에 갇힌 바울이 디모데에게 보낸 편지의 첫 장이다. 바울은 디모데의 믿음을 확신하며 감사하고, 은사를 다시 불붙이고 복음을 위해 받는 고난을 부끄러워하지 말라고 권한다.

절 바로가기

1디모데후서 · Shona Bible
1Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu,
2kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
3Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
4ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro,
5ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo.
6Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
7Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora. 해설
8Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari,
9wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, 해설
10asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
11yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
12Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro.
13Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
14Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri.
15Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
16Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu,
17asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana.
18Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 18절
1 / 4장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장의 구절 해설 문서 2

이 장을 언급한 문서

더 보기