빌립보서 1장 Shona Bible
바울서신 · Philippians · Shona Bible · 30절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
빌립보서 1장은 감옥에 갇힌 바울이 빌립보 교회에 감사와 기도를 전하고, 자신의 매임이 오히려 복음을 넓혔다고 말하며, 삶과 죽음 사이에서 그리스도를 높이겠다는 마음과 복음에 합당한 삶을 권하는 장이다.
절 바로가기
1빌립보서 · Shona Bible
1Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:
2Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
3Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese,
4nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro,
5nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino;
6ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu; 해설
7sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha.
8Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.
9Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese,
10kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu,
11makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.
12Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;
13zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese.
14Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.
15Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka;
16vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
17Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
18Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.
19Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
20zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
22Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.
23Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka;
24asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
25Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,
26kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.
27Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
28uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.
29Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo; 해설
30mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 3
이 장을 언급한 문서
- 에베소서 2장 8-9절 성경 구절
- 누가복음 23장 43절 성경 구절
- 요한복음 10장 28-29절 성경 구절
- 유다서 1장 24절 성경 구절
- 로마서 14장 6-8절 성경 구절
- 고린도전서 1장 7절 성경 구절
- 고린도전서 15장 12-20절 성경 구절
- 골로새서 3장 3-4절 성경 구절
- 빌립보서 1장 29절 성경 구절
- 에베소서 2장 10절 성경 구절
- 빌립보서 4장 11-13절 성경 구절
- 히브리서 13장 21절 성경 구절
- 빌립보서 2장 9-11절 성경 구절
- 베드로후서 1장 5-10절 성경 구절
- 요한복음 10장 27-29절 성경 구절
- 디도서 1장 5-9절 성경 구절
- 로마서 16장 1-7절 성경 구절
- 디모데후서 4장 7-8절 성경 구절
- 요한복음 5장 25-29절 성경 구절
- 고린도후서 5장 8절 성경 구절
- 빌립보서 1장 21-23절 성경 구절
- 빌립보서 1장 6절 성경 구절
- 요한복음 6장 37-40절 성경 구절
- 데살로니가전서 4장 13-14절 성경 구절
- 빌립보서 2장 15절 성경 구절
- 스가랴 4장 9-10절 성경 구절
- 빌레몬서 1장 6절 성경 구절
- 집사 직분
- 성도 직분
- 구원의 확신 논쟁
더 보기
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기