에베소서 1장 Shona Bible
바울서신 · Ephesians · Shona Bible · 23절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
에베소서 1장은 바울의 인사로 시작해, 그리스도 안에서 받은 선택·구속·성령의 인치심을 찬양하고, 독자들이 하나님을 더 깊이 알기를 구하는 기도로 이어지는 장이다.
절 바로가기
1에베소서 · Shona Bible
1Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:
2Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu.
3Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yese yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu; 해설
4sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo, 해설
5agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake,
6kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi;
7watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kanganwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake,
8dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kwese neungwaru,
9azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake;
10kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvese muna Kristu, zvese zviri kumatenga nezviri panyika;
11imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvese zvichienderana nezano rechido chake, 해설
12kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu;
13nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,
14ari rubatso rwenhaka yedu, rwuve rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.
15Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu nerudo kuvatsvene vese,
16handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
17kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya wekuchenjera newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake;
18meso efungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii,
19uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake,
20raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,
21kumusoro-soro kweutongi hwese, nesimba, neukuru, neushe, nezita rega-rega rinodanwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inouyawo;
22akaisawo zvese pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvese kukereke,
23ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvese mune zvese.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 3
이 장을 언급한 문서
- 로마서 8장 29-30절 성경 구절
- 에베소서 1장 4-5절 성경 구절
- 신명기 28장 1-2절 성경 구절
- 베드로전서 1장 1-2절 성경 구절
- 디모데후서 1장 9절 성경 구절
- 에베소서 1장 11절 성경 구절
- 빌립보서 2장 9-11절 성경 구절
- 요한계시록 7장 3절 성경 구절
- 시편 139편 15-16절 성경 구절
- 에베소서 5장 31-32절 성경 구절
- 시편 8편 5-8절 성경 구절
- 에베소서 1장 3절 성경 구절
- 지교회 조직·제도
- 예정론 교리·신학
- 아르미니우스주의 교리·신학
- 칼빈주의 교리·신학
- 세대주의 교리·신학
- 예정과 자유의지 논쟁
- 교회 교리·신학
- 도르트 신조 교리·신학
- 에베소 성경
- 아가페 성경
- 기업 성경
- 양자 교리·신학
- 그리스도의 몸 교리·신학
- 이중예정 교리·신학
- 총괄갱신 교리·신학
- 속량 교리·신학
- 성령의 조명 교리·신학
- 타락전 선택설 교리·신학
더 보기
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기