요한계시록 1장 Shona Bible
예언 · Revelation · Shona Bible · 20절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
요한계시록의 첫 장으로, 책의 머리말과 일곱 교회에 보내는 인사, 그리고 요한이 밧모섬에서 일곱 금 촛대 사이에 선 "인자 같은 이"를 본 첫 환상을 담고 있다.
절 바로가기
1요한계시록 · Shona Bible
1Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,
2iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona.
3Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.
4Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye wakange aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
5nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
6akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 해설
7Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rese richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ese enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
8Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose. 해설
9Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.
10Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,
11richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.
12Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,
13nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.
14Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
15uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.
16Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro. 해설
17Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
18uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.
19Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.
20Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 3
이 장을 언급한 문서
- 히브리서 4장 12절 성경 구절
- 히브리서 13장 8절 성경 구절
- 베드로전서 2장 9절 성경 구절
- 출애굽기 3장 14절 성경 구절
- 출애굽기 20장 8-11절 성경 구절
- 스가랴 12장 10절 성경 구절
- 베드로전서 2장 5절 성경 구절
- 마가복음 10장 38-39절 성경 구절
- 마태복음 24장 30-31절 성경 구절
- 예레미야 23장 29절 성경 구절
- 출애굽기 19장 5-6절 성경 구절
- 요한계시록 1장 16절 성경 구절
- 요한계시록 1장 8절 성경 구절
- 요한계시록 2장 8-11절 성경 구절
- 요한계시록 11장 4절 성경 구절
- 요한계시록 12장 9절 성경 구절
- 출애굽기 3장 12-15절 성경 구절
- 주일 예배·예식
- 만인제사장 교리·신학
- 요한계시록 성경
- 안식일과 주일 논쟁
- 요한 인물
- 지방교회 이단·사이비
- 소아시아 일곱 교회 성경
- 밧모섬 성경
- 안식일 성경
- 제사장 성경
- 대제사장 성경
- 나는 ~이다 성경
- 음부 성경
더 보기
최근 읽은 곳
요한계시록 22장
초성으로 성경찾기
구약 39권
신약 27권
← → 키나 본문을 옆으로 밀어도 앞뒤 장으로 넘어갑니다.
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기