로그인

요한이서 1장 Shona Bible

일반서신 · 2 John · Shona Bible · 13절

절 보기

요한이서 1장은 한 장으로 된 요한이서 전체이다. "장로"가 택하심을 입은 부녀와 자녀에게 서로 사랑하라고 권하고, 예수 그리스도께서 육체로 오심을 부인하는 미혹하는 자들을 경계하라고 쓴 짧은 편지이다.

절 바로가기

1요한이서 · Shona Bible
1Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vese vakaziva chokwadi,
2nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi.
3Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
4Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
5Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakange tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
6Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. 해설
7Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
8Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana.
9Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; asi uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana.
10Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari: Kwaziwai;
11nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.
12Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara.
13Vana vemunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 13절
1 / 1장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장의 구절 해설 문서 1

이 장을 언급한 문서

더 보기