로그인

요한일서 1장 Shona Bible

일반서신 · 1 John · Shona Bible · 10절

절 보기

요한일서 1장은 '생명의 말씀'을 직접 보고 들은 증인의 고백으로 편지를 연다. 이어 "하나님은 빛"이라는 소식과 함께 빛 가운데 행하는 사귐, 죄의 자백과 용서를 다룬다.

절 바로가기

1요한일서 · Shona Bible
1Icho chakange chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu,
2(uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri);
3icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu;
4uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
6Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chese. 해설
8Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
9Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kwese. 해설
10Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.

Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.

이 장에 10절
1 / 5장

본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.

이 장의 구절 해설 문서 2

이 장을 언급한 문서

더 보기