골로새서 1장 Shona Bible
바울서신 · Colossians · Shona Bible · 29절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
골로새서의 첫 장으로, 바울이 골로새 성도들에게 인사와 감사, 기도를 전한다. 그리스도를 보이지 않는 하나님의 형상이자 만물의 창조자, 교회의 머리로 높이는 찬가(15-20절)를 담고 있다.
절 바로가기
1골로새서 · Shona Bible
1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,
2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese,
4sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese,
5nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
6yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
7sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
8wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.
9Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya,
10kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
11muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro;
12muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,
13vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
14watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi.
16Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
17Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari.
18Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga;
19nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari,
20uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
21Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwi
22mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;
23zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
24Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;
25ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
26chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
27kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
28watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;
29ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 1
이 장을 언급한 문서
- 고린도전서 13장 13절 성경 구절
- 요한복음 1장 1절 성경 구절
- 마태복음 24장 14절 성경 구절
- 창세기 1장 1절 성경 구절
- 창세기 1장 26-27절 성경 구절
- 유다서 1장 24절 성경 구절
- 골로새서 3장 17절 성경 구절
- 고린도전서 15장 28절 성경 구절
- 데살로니가전서 1장 3절 성경 구절
- 골로새서 3장 16절 성경 구절
- 골로새서 4장 2절 성경 구절
- 히브리서 1장 10-12절 성경 구절
- 히브리서 1장 1-3절 성경 구절
- 골로새서 1장 15-17절 성경 구절
- 고린도후서 5장 18-20절 성경 구절
- 골로새서 3장 21절 성경 구절
- 로마서 11장 33-36절 성경 구절
- 마가복음 13장 10절 성경 구절
- 시편 33편 6절 성경 구절
- 요한복음 8장 58절 성경 구절
- 고린도전서 8장 4-6절 성경 구절
- 빌레몬서 1장 6절 성경 구절
- 아리우스주의 이단·사이비
- 창조 교리·신학
- 골로새서 성경
- 하나님의 형상 교리·신학
- 에바브라 인물
- 장자권 성경
- 천사 성경
- 골로새 성경
더 보기
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기