야고보서 1장 Shona Bible
일반서신 · James · Shona Bible · 27절
📝 이 장의 개요 흐름·핵심 구절·인물 더 보기 →
야고보서 1장은 야고보가 흩어진 열두 지파에게 보낸 인사로 시작한다. 시련 속의 인내, 믿음으로 지혜를 구하는 일, 욕심과 죄의 관계, 말씀을 듣기만 하지 않고 행하는 일, 참된 경건을 차례로 다룬다.
절 바로가기
1야고보서 · Shona Bible
1Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
3muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
4asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
5Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa. 해설
6Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa. 해설
7Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
8Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
9Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
10nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
11Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
12Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda. 해설
13Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
14Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
15Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
18Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
19Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
20nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
23Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
24nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
25Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
26Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
27Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.
Shona Bible
절을 누르면 복사·공유·형광펜·메모를 쓸 수 있습니다. 점선 낱말은 교회백과 문서로 이어집니다.
본문은 Shona Bible(쇼나어) — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL 형광펜·메모·읽은 표시는 판과 상관없이 같은 장에 함께 남습니다. 점선이 그어진 낱말은 교회백과에 문서가 있는 인물·지명·용어입니다(한 화면에 한 번씩만 표시). 형광펜·메모·읽은 표시는 이 브라우저에만 저장되며 내 표시에서 모아 볼 수 있습니다.
이 장의 구절 해설 문서 4
이 장을 언급한 문서
- 로마서 8장 28절 성경 구절
- 고린도전서 10장 13절 성경 구절
- 요한계시록 2장 10절 성경 구절
- 마태복음 6장 9-13절 성경 구절
- 마태복음 7장 7절 성경 구절
- 마가복음 11장 24절 성경 구절
- 야고보서 1장 2-4절 성경 구절
- 히브리서 2장 18절 성경 구절
- 야고보서 1장 12-14절 성경 구절
- 베드로후서 2장 9절 성경 구절
- 야고보서 4장 7절 성경 구절
- 말라기 3장 6절 성경 구절
- 디모데후서 4장 7-8절 성경 구절
- 요한계시록 2장 8-11절 성경 구절
- 베드로전서 1장 23절 성경 구절
- 히브리서 12장 6-11절 성경 구절
- 야고보서 1장 5-6절 성경 구절
- 누가복음 11장 2-4절 성경 구절
- 야고보서 4장 2-3절 성경 구절
- 야고보서 4장 11-12절 성경 구절
- 마태복음 7장 22-27절 성경 구절
- 마가복음 11장 22-25절 성경 구절
- 야고보서 2장 15-17절 성경 구절
- 마태복음 21장 21-22절 성경 구절
- 야고보서 1장 6-7절 성경 구절
- 창세기 4장 7절 성경 구절
- 야고보서 2장 21-24절 성경 구절
- 야고보서 2장 1-4절 성경 구절
- 에스라 7장 10절 성경 구절
- 심방 신앙생활
더 보기
글자 크기
바탕색과 글자색 (읽기 화면만)
글꼴
글자 두께
줄 간격
표시
읽어 주기 속도
읽어 주기